Vaimiririra Gokwe Nembudzia mudare reparamende va Justice Wadyajena avo vanozivikanwa nekuti Mayor vakakundwa zvakare na muzvare Flora Bhuka mumakundano echipiri ekutsvaka achamiririra Zanu PF mudare reparamende mukupera kwevhiki rino. Izvi zvauya mushure mekunge va Wadyajena vaisa chinyunyuto kudare rinoona nezvesarudzo mudare re ZanuPF, iro rakazoti sarudzo idzi dzifanira kudzokororwa.
Musarudzo dzekutanga va Flora Bhuka vakakunda vaWadyajena nava Allem Mpofu. Va Wadyajena vakabva vaisa chikumbiro kuti sarudzo hadzina kuita zvakanaka. Musarudzo dzechipiri va Bhuka vakakunda zvine mutsindo zvinoratidza kuti chinyunyuto chavaWadyajena raiva dambanevana uyezve vanhu vanga vasisina chivimbo nehumiririri hwavo.
Va Mayor vanonzi vakambopomerwa mhosva yehuori inovabatanidzira mukudyiwa kwemari ye COTTCO zvinogona zviri izvo zvakaita kuti vanhu vasimudze musoro nekuvaramba musarudzo. Izvi zvinobvz zvareva kuti va Flora Bhuka ndivo vachange vachitatsurana nevemapato anopikisa musarudzo dzichaitwa gore rino mudunhu iri